Deuteronomy 25

1Kana vanhu vane gakava, vanofanira kuenda kudare uye vatongi vachatonga nyaya iyi, vachiruramisira asina mhosva nokupa mhosva uyo akatadza. 2Kana munhu ane mhosva achifanira kurohwa, mutongi anofanira kumuti arare pasi agoita kuti arohwe pamberi pake neshamhu dzakafanira mhosva yake. 3Asi haafaniri kupiwa shamhu dzinodarika makumi mana. Kana akarohwa zvakapfurikidza mwero, hama yako inenge yazvidzwa pamberi pako.

4Usasunga muromo wenzombe kana ichipura zviyo.

5Kana hama dzichigara pamwe chete mumwe wavo akafa asina mwanakomana, chirikadzi yake haifaniri kuwanikwa kunze kwemhuri. Hama yomurume wake inofanira kumutora nokumuwana uye agoita zvinofanira kuitwa nehama yomurume wake kwaari. 6Mwanakomana wokutanga waachabereka anofanira kutora zita rehama yake yakafa kuitira kuti zita rake rirege kudzimwa muIsraeri.

7Asi, kana munhu asingadi kuwana mukadzi wehama yake, mukadzi achaenda kuvakuru pasuo reguta agoti, “Hama yomurume wangu yaramba kumutsa zita romukoma wake muIsraeri. Haadi kuita zvinofanira kuitwa nehama yomurume kwandiri.” 8Ipapo vakuru veguta romurume uyu vanofanira kumudana vataure naye. Kana akaramba achiti, “Handidi zvangu kumuwana,” 9chirikadzi yehama yake inofanira kuenda kwaari pamberi pavakuru, agomubvisa imwe yeshangu dzake, uye agomusvipira mate kumeso achiti, “Izvi ndizvo zvinoitwa kumurume anoramba kuvaka imba yomukoma wake.” 10Imba yomurume uyu ichazivikanwa muIsraeri nezita rokuti Imba yoMurume Akabviswa Shangu Yake.

11Kana varume vaviri vachirwa ipapo mukadzi womumwe wavo akauya kuzonunura murume wake pane anomurwisa, uye akaswedera akabata murume uya nhengo dzake, 12munofanira kugura ruoko rwake. Musamunzwira tsitsi.

13Usava nezviyereso zviviri zvisina kuenzana muhomwe yako, chimwe chinorema, chimwe chakareruka. 14Usava nezvipimiso zviviri zvakasiyana mumba mako, chimwe chikuru, chimwe chiduku. 15Unofanira kuva nezviereso nezvipimiso zvakanaka uye zvechokwadi kuitira kuti ugorarama mazuva mazhinji munyika yauri kupiwa naJehovha Mwari wako. 16Nokuti Jehovha Mwari wako anonyangadzwa nomunhu anoita zvinhu izvi, munhu upi zvake, anoita zvinhu nokusatendeka.

17Murangarire zvamakaitirwa navaAmareki parwendo rwenyu pamakabuda kubva muIjipiti. 18Pamakanga maziya uye maneta, vakasangana nemi parwendo rwenyu vakauraya vose vakanga vachisaririra shure; vakanga vasingatyi Mwari. 19Kana Jehovha Mwari wenyu akupai zvose kubva kuvavengi vakakupoteredzai munyika yaari kukupai kuti ive yenyu senhaka, munofanira kudzima kurangarirwa kwaAmareki kubva pasi pedenga. Musazokanganwa!

Copyright information for SnaBDSC